Winky D
Photo Life
[Intro: Winky D]
Hona Oskid, takadyara maseed
Anotivenga usapindure hapana need
Camera, action
Gafa in action
ChiExtraterrestrial
Gafa Futi

[Chorus: Winky D]
Life yangu maGafa iphoto
Inoumbwa nemanegative saka bhasopo
Ada 'undi dissa, dissa (ho)
Ada 'undi misa, misa (ho)
Ada kurwisa, rwisa (ho)
Ndinobva ndadadisa (ho)
Ada 'undi dissa, dissa (ho)
Ada 'undi misa, misa (ho)
Ada kurwisa, rwisa (ho)
Ndinobva ndadadisa (ho)

[Verse 1: Winky D]
Handimbofa ndakakwata kudhonzerwa pasi nemunhu, ndikadonha ndinoita hwembeu
Unondiona ndichimera futi zvine kachifinhu, ndobilivhisa kunge gospel
Nekuti vamwe takafundisiwa kuti mulife zvikauya nyore haikonai kugamuchira
Ndobva ndatipa maGafa musaore mwoyo, magamba ese akaumbwa mukutambudzika
Paunowisha dai Gafa ramboshupika
Ndinenge ndichifara kuti zvino chaputika
Ndopaunoona ndichirarama kalife kekudenga fanike Jupiter