Winky D
Daddy
[Intro: Winky D]
Ga-ga-gafa
ChiExtraterrestrial
Mwana akabvunza chihonest question baba namai vakatandara
Hapana akamupindura

[Chorus: Winky D]
Daddy maiitei?
Vamwe vachitenga dzimba nemakambani?
Vamwe vachimhanya kubasa mangwanani?
Zvondopfeka hembe isina mabutton
Yoyoyoyoyo maiitei?

[Verse 1: Winky D]
Ichasvika nguva yokuti vana vachada kutibvunza zvinhu zvakawanda
Tichawanikwa tichiva tinotiza asi chokwadi hakuna kwatichanohwanda
Vachada kuona zvatakashanda
Pamwe chete nenzira dzatakafamba
Ngative tinodzichenesa nzira dzedu kuti mangwana zvotaurwa tisazviramba
Zvino gumbura kuti ndaikwanisa asi pane pandakavairarwa
Ngatisava tinoyeuka bako mushure mokunge tanaiwa
Nguva yacho ndiyoyi vakachenjera vachagara vateya riva
Iwe teya rako, mwana agoziva

[Chorus: Winky D]
Daddy maiitei?
Vamwe vachitenga dzimba nemakambani?
Vamwe vachimhanya kubasa mangwanani?
Zvondopfeka hembe isina mabutton
Yoyoyoyoyo maiitei?

[Verse 2: Winky D]
Zvingori better kuti mwana angogara achiziya kuti daddy vangu vanotrya
Ingori nguva nemukana zviri kutadza kusangana pane madhiri avanofire
Pane kuti mwana ati kana ari madhiri emari daddy vangu vakaretire
Ndinozviziva hongu kuti zvinhu zvakaoma asi ndoramba ndichiti chingo aima higher
Mikana inosiyana asi kune mwana ndichazonozvitsanangura sei?
Anozvinzwisisa here, ndaishanda siku nesikati mwedzi wese pasina pay?
Kubasa vachipa maenvelop kumba nemalandlord gaya taitarisana sei
Zvinotonetsa kutsanangura, eh

[Chorus: Winky D]
Daddy maiitei?
Vamwe vachitenga dzimba nemakambani?
Vamwe vachimhanya kubasa mangwanani?
Zvondopfeka hembe isina mabutton
Yoyoyoyoyo maiitei?
Daddy maiitei?
Vamwe vachitenga dzimba nemakambani?
Vamwe vachimhanya kubasa mangwanani?
Zvondopfeka hembe isina mabutton
Yoyoyoyoyo maiitei?