Winky D
Hooray
[Intro]
Ga ga gaaafa

[Verse 1]
Taivaona vachisasana
Vachiri kamukomana neka musikana
Vamwe vaiti vachachaya mapoto
Vamwe vaiti hapana zvichapererera muchoto
Vamwe vaiti hameno ndezvekwavo ikoko
Nhasi vazounganidza vanhu
Saka toisa maoko

[Hook]
Aihwa nhasi vabatanidzwa
Hooray! Hooray! Hooray! (Topemberera)
Iti iti Hooray! Hooray! Hooray!

[Verse 2]
Hona vadadisa vana
Vaunganidza hama
Zvipo zvizere
Mabhozida ava kuzunza zvikwama
Masahwira ari kunyama
Vanhu vonyautsa mukanwa
Mifananidzo torai hatidi kuzvikanganwa
Tarisa vaperekedzi vanonwisa mvura bedzi
Kafambiro kacho sengirozi dzatumwa natenzi
Baba hatichada kunzwa kuti mateedza madhirezi
Mabatanidzwa muhupenyu movhura imwe page

[Bridge]
Chipai kiss vachati
Nguva yatasvika ndeye kiss vachati
Maunganidza vanhu pakuda peace vachati
Zvekurwisana mumba nikisi vachati
Hoiii hooo!

[Hook]
Aihwa nhasi vabatanidzwa
Hooray! Hooray! Hooray! (Topemberera)
Iti iti Hooray! Hooray! Hooray!

[Verse 3]
Pamusoroi vana baba
Ndine shoko rimwe kune vairi vachata
Muchiona mava amai nababa
Teedzerai izvi muimba yamavaka
Daddy vanoda kudziisirwa mvura
Pakudzoka kumba baba musapfurikidza nguva
Wanai nguva yekutandara pazuva
Tozvikoshesa murudo dzamara mupinde muguva
Saka madzimai ndipeiwo mhururu uko
Ndipeiwo mhururu uko
Nemi vana baba isai miridzo uko
Isai miridzo uko
Saka dzokororo ine simba

[Bridge]
Pakuda kiss vachati
Nguva yatasvika ndeye kiss vachati
Maunganidza vanhu pakuda peace vachati
Zvekurwisana mumba nikisi vachati
Hoiii hooo

[Hook]
Aihwa nhasi vabatanidzwa
Hooray! Hooray! Hooray! (Topemberera)
Iti iti Hooray! Hooray! Hooray!