Oliver Mtukudzi
Panorwadza Mwoyo
[Intro]
Maihwi

[Pre-Chorus: Winky D & Oliver Mtukudzi]
Ndanzwa mhere kurira
Mhere kurira
Tasiya pano watakunofushira
Watakunofushira
Ndiani watungamira, ndiani wafunga kunotichenesera nzira
Kunochenesa nzira
Hazvitidzimbe nyama
Aiwa
Zvinotidzimba pakati pehana
Pakati pehana
Chekuita hapana
Hapana
Kwava kungomirira mhere yamangwana
Mhere yamangwana

[Chorus: Winky D & Oliver Mtukudzi]
Munotipfudzirei nepanorwadza mwoyo?
Dairawoo
Munotipfudzirei kune nzira iyoyo
Nzira idondo
Baba nditakurei
Baba nditakurei
Ishe nditakurei
Ishe nditakure
Ndiyambutsei
Ndiyambuke
Tenzi ndiyamurei
Tenzi ndiyamurei

[Verse 1: Winky D & Oliver Mtukudzi]
Zvamatora ambuya, matora sekuru, hapana kacheche kauya
Zvamatora mukoma, matora hanzvadzi, iyi nhamo handichaigona
Misodzi yandachema ndazadza gungwa
Tumirai ngirozi, ndichaitakura
Iri ngozi dai paita atsanangura
Iyi njodzi yandikurira, amai ndagura
Ndiani achandiraira?
Hama dzepedyo matsvaira
Ndaisimbofunga ndichajaira
Wedenga dai mandidaira
Ndidairewoo

[Chorus: Winky D & Oliver Mtukudzi]
Munotipfudzirei nepanorwadza mwoyo?
Dairawoo
Munotipfudzirei kune nzira iyoyo
Nzira idondo
Baba nditakurei
Baba nditakurei
Ishe nditakurei
Ishe nditakure
Ndiyambutsei
Ndiyambuke
Tenzi ndiyamurei
Tenzi ndiyamurei
[Bridge: Winky D & Oliver Mtukudzi]
Kumakuva, yakunge nzvimbo yekutandarira
Yekutandarira
Nguva nenguva, tangowanikwa tichidzoka setateya riva
Dzoka setateva riva

[Pre-Chorus: Winky D & Oliver Mtukudzi]
Ndanzwa mhere kurira
Mhere kurira
Tasiya pano watakunofushira
Watakunofushira
Ndiani watungamira, ndiani wafunga kunotichenesera nzira
Kunochenesa nzira
Hazvitidzimbe nyama
Aiwa
Zvinotidzimba pakati pehana
Pakati pehana
Chekuita hapana
Hapana
Kwava kungomirira mhere yamangwana
Mhere yamangwana

[Chorus: Winky D & Oliver Mtukudzi]
Munotipfudzirei nepanorwadza mwoyo?
Dairawoo
Munotipfudzirei kune nzira iyoyo
Nzira idondo
Baba nditakurei
Baba nditakurei
Ishe nditakurei
Ishe nditakure
Ndiyambutsei
Ndiyambuke
Tenzi ndiyamurei
Tenzi ndiyamurei
Munotipfudzirei nepanorwadza mwoyo?
Dairawoo
Munotipfudzirei kune nzira iyoyo
Nzira idondo
Baba nditakurei
Baba nditakurei
Ishe nditakurei
Ishe nditakure
Ndiyambutsei
Ndiyambuke
Tenzi ndiyamurei
Tenzi ndiyamurei
Munotipfudzirei nepanorwadza mwoyo?
Dairawoo
Munotipfudzirei kune nzira iyoyo
Nzira idondo
Baba nditakurei
Baba nditakurei
Ishe nditakurei
Ishe nditakure
Ndiyambutsei
Ndiyambuke
Tenzi ndiyamurei
Tenzi ndiyamurei
Munotipfudzirei nepanorwadza mwoyo?
Panodzimba mwoyo