Oliver Mtukudzi
Kusateerera
[Verse 1: Oliver Mtukudzi]
Pasi rino zvaringori rima, iro zuva rakachena nyika
Maziso haachaona, nenzeve hadzichada
Nguva chaiyo hatichina mambo
Zuva, mwedzi negore hazvichakwana
Tongoswero tenderera, kutendeuka hatichaziva
Njere hatichina mambo, mototungamirira vana

[Refrain]
Kusateerera, kusateerera

[Verse 2: Oliver Mtukudzi]
Kuzivisisa ndokwatazara mambo
Kubva tazivisisa ruzivo kukunda muzivi
Nharo umbimbindonga, kusateerera
Inzo nzeve dzichinzwa, kusateerera

[Verse 3: Oliver Mtukudzi]
Nguva hatichina changamire
Zuva, mwedzi negore hazvichatikwanira isu
Tongoswero tenderera, kutendeuka hatichaziva
Ruzivo hatichina mambo, mototungamirira vana

[Refrain]
Kusateerera, kusateerera
Kusateerera, kusateerera
[Verse 4: Oliver Mtukudzi]
Pasi racho ritori rima, zuva rakachena nyika kudaro
Ziso harichaona iro, nenzeve kunzwa hadzichada
Ruzivo hatichina changamire, mototungamirira vana

[Refrain]
Kusateerera, kusateerera
Kusateerera, kusateerera

[Verse 2: Oliver Mtukudzi]
Kuzivisisa ndokwatazara mambo
Kubva tazivisisa ruzivo kukunda muzivi
Nharo umbimbindonga, kusateerera
Nzeve dzichinzwa, kusateerera

[Outro: Oliver Mtukudzi]
Kusateerera, kusateerera
Kusateerera
Kusateerera, kusateerera
Kusateerera, kusateerera
Kusateerera
Kusateerera, kusateerera
Ruzivo hatichina changamire
Kusateerera
Mototungamira vana
Kusateereraaa