Amai

from Njema (2019)
[Intro]

Gafa (Gafa)

Gafa (Gafa)
Gafa (Gafa)

Iwe Oskid!



[Chorus]

Mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai

Mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai



[Verse 1]

Chekutanga kudya chandakaisa mukanwa ndimi makapakura

Kunyangwe mwedzi mipfumbamwe ichiri mimba ndimi makatakura

Asi nhasi tabve zera

Tava kubuda mugwara ratakaratidzwa nevacho vakatirera (ayaya)



[Bridge]

Makandifundisa yese mirairo kubvira ndiri mwana

Mukati patience dzine mubairo kubvira ndiri mwana

Misikanzwa yandinoita yese zva zvemusoro wangu

Ku cheater kwandoita vana vevanhu zva zvemusoro wangu (mhamha)



[Verse 2]

Pandinokanganisa kunze uko ruregerero ndimi munotukwa

Ndakumbira muri vapenyu mukadzokera kuivhu munopfuka

Haranga dzandafambidzana nadzo dzose dzogaya kuti munoshupa

Nekuda kwehunhu wandinomboita hobho vari kunyunyuta

Vanoona imi pandiri (pandiri mhamha)

Vogaira ndizvo zvamuri (zvamuri mhamha)



[Chorus]

Mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai

Mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai



[Bridge]

Makandifundisa yese mirairo kubvira ndiri mwana

Mukati patience dzine mubairo kubvira ndiri mwana

Misikanzwa yandinoita yese zva zvemusoro wangu

Ku cheater kwandoita vana vevanhu zva zvemusoro wangu (mhamha)



[Verse 3]

Dzimwe nguva ndinoshaiwa rukudzo kunyangwe kune vanhu vakuru

Ndakadembedza bhurukwa zvitanda munzeve ndichizviidza bhuru

Ndichiti hakuna anonditsiura

Pakuziva hakuna anondipfuura

Ndichiti ichiripo nguva

Kusaziva ndiri kuzvicherera guva

Vari kugunun’una nemuzita ramai vati haana kurairwa

Ini ndatsvaga pakatadza amai pakurera vana ndapashaiwa



[Chorus]

Mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai

Mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai



[Bridge]

Makandifundisa yese mirairo kubvira ndiri mwana

Mukati patience dzine mubairo kubvira ndiri mwana

Misikanzwa yandinoita yese zva zvemusoro wangu

Ku cheater kwandoita vana vevanhu zva zvemusoro wangu (mhamha)



[Chorus]

Mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai

Mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai

More from Njema (2019)

More by Winky D

All Winky D songs →