A B C D E F G H I J K L M N O P Q R S T U V W X Y Z #

Winky D

"Area 51"

Ndoda kukutora ndokuIntoducer kumaCousins
Vanombokubvunza kuma Family functions
Hanzi aripi muroora
Huya naye timbomuona
Ndoda kumbokuratidza vedzinza rangu
Ukafara muFamily ndokupinza hangu
Ivo vakakufarira hapana chekumirira
Tobva tangobatanidzwa wangu

Ndichakutora toenda tese kuArea 51
Ndokuratidza hama dzese because bhebhi handisi 1
Ziriko zvimwe zvima Extra
Kune vaimbi nemaActor
MaScientist nemaDoctor
Nevakagadzira Tesla

Ndokwatinosangana paukama
Ndoda kuenda newe kumbira Mhamha
Ndokwatosangana maExtraterrestrial
Usazovhunduka, dzikama

Hakumbodi mota kana ndege kusvika ikoko, we teleport
NeSplit second tinenge tava paSpot
Imi majaira transport
Ndobva ndakuratidza zitateguru Einstein reTheory yeRelativity
Isaac Newton akatiudza zveGravity
Panzvimbo anenge ari tii
Saka kuti tiende uri kudei
Taura ndokupei
Usazoti zuva rinobuda, unotisekesa naGalileo Galilei

Ndichakutora toenda tese kuArea 51
Ndokuratidza hama dzese because bhebhi handisi 1
Ziriko zvimwe zvima Extra
Kune vaimbi nemaActor
MaScientist nemaDoctor
Nevakagadzira Tesla

Saka ndopamuzinda pemaExtraterrestrial
NdakamboInviter vamwe kuZimbabwe vakanomhara kuAriel
(ho nhai)
Kuti tirasise vazhinji tichanyepa kuti kune show
Chisara uchiPacker, kuma time time tonopinda muchi UFO
Tinenge tava good to go

Usakwate ndoda kukuKeeper kunge Secret
Ndobva ndakumbundira, handimbokusiya uchidonha kunge comet
NdichakuIntroducer kune vanhu vari smart se iPhone
Vana Neil DeGrassi Tyson
Mushakabvu Stephen Hawking
Ndomadhara tingori maOffsprings
Zvichaita kunge maTricks
Saka ndinokumbira umbotanga waona Matrix
Kana zvakuitika usavhunduke, dzikama please

Ndichakutora toenda tese kuArea 51
Ndokuratidza hama dzese because bhebhi handisi 1
Ziriko zvimwe zvima Extra
Kune vaimbi nemaActor
MaScientist nemaDoctor
NaJusa Dementor

A B C D E F G H I J K L M N O P Q R S T U V W X Y Z #


All lyrics are property and copyright of their owners. All lyrics provided for educational purposes and personal use only.
Copyright © 2017-2019 Lyrics.lol