Jah Prayzah
Ndin’Ndamubata
[Intro]
Ndin' ndamubata
Ehe-e ndin' ndamubata
Ndin' ndamubata
Ehe-e ndin' ndamubata

[Verse 1]
Zvainenge pasa-pasa
Handidi kutamba makasa
Kare kangu ndairakasha
Kusvikira mvura yagasa
Zvayangova bata wabata
Kugomera kukwira makata
Mwenje kubaka-baka
Hombarume ndakakata

[Pre-Chorus]
Machembere zvazvandibata
Kunodiwa haga mukaka
Hee-e tachinja mupaka
Kunodiwa haga mukaka
Machembere zvazvandibata
Kunodiwa haga mukaka
Hee-e tachinja mupaka
Kunodiwa haga mukaka
[Chorus]
Vakomana munoda kufara ndizvo here?
(Kumberi)
Ehe mafambiro edu kupiko?
(Kumberi)
Vasikana munoda kutamba ndizvo here?
(Kumberi)
Ehe mafambiro edu kupiko?
(Kumberi)

[Verse 1]
Ndiri kukwira manera
Handichada kunanaira
Ndini ndakaisimudza
Ngoma inoti kedega
Yakatangira Zengeza
Ikabudira kuMoza
Ehe pasi pandimedza
Shamwari dzandinyengedza
Maimwanawe zunguza
Kwete kungondinyemudza
Amaimwanawe zunguza
Kwete kungondinyemudza
Gamba ndichaedza
Kusvikira kwaedza
Gamba ndichaedza
Kusvikira kwaedza
[Chorus]
Vakomana munoda kufara ndizvo here?
(Kumberi)
Ehe mafambiro edu kupiko?
(Kumberi)
Vasikana munoda kutamba ndizvo here?
(Kumberi)
Ehe mafambiro edu kupiko?

[Verse 2]
Usandirodza zizi
Ngoma inorira kwese
Simudzai maoko mese
Kufarira pese
Ndasunungura mukwende
Tura mafemo tiende
Simudzai maoko mese
Kufarira pese pese

[Pre-Chorus]
Machembere zvanga zvazvandibata
Kunodiwa haga mukaka
Hee-e tachinja mupaka
Kunodiwa haga mukaka
Machembere zvanga zvazvandibata
Kunodiwa haga mukaka
Hee-e tachinja mupaka
Kunodiwa haga mukaka
[Chorus]
Vakomana munoda kufara ndizvo here?
(Kumberi)
Ehe mafambiro edu kupiko?
(Kumberi)
Vasikana munoda kutamba ndizvo here?
(Kumberi)
Ehe mafambiro edu kupiko?
(Kumberi)
Ehe mafambiro edu kupiko?
(Kumberi)
Kumberi, mafambiro edu kupiko?

[Verse 3]
Wakonzera bongozozo
(Ahe bongozo)
Wandipedzera musoko-soko
(Ahe bongozo)
Ngoma inotambika mbabvumba
(Ahe bongozo)
Inga dzangu ndasunga dzasimba
(Ahe bongozo)
Maimwana kusakura semunda
(Ahe bongozo)
Wandisasika ndanuna
(Ahe bongozo)
Bongozo, bongozozo
(Ahe bongozo)
Paita bongozo, bongozozo

[Verse 4]
Inini handigone
(Tendera)
Ndinosendemura, ndinokanyaira
Inini handigone
(Tendera)
Ndinosendemura, ndinokanyaira
Inini handigone
(Tendera)
Handigone, handigone
(Sendemura, kanyaira)
Inini handigone
(Tendera)
Handigone, handigone
(Sendemura, kanyaira)

[Verse 5]
Usakendenge
He! Usakendenge
(Kumberi)
Usakendenge
Ha! Usakendenge
(Kumberi)
Usakendenge
He! Usakendenge
(Kumberi)
Usakendenge
Ha! Usakendenge
(Kumberi)

[Outro]
Ndin' ndamubata
Ehe-e ndin' ndamubata
Ndin' ndamubata
Ehe-e ndin' ndamubata
Ndin' ndamubata
Ehe-e ndin' ndamubata
Ndin' ndamubata
Ehe-e ndin' ndamubata