Jah Prayzah
Hakata
Haa hiya hiya
Hiya hiya
Haa heya herere
Hererewo

Zvikanzi machinda takanda (hakata)
Dziri kuti mose muchakwidza (makata)
Zvikanzi nhongai nhongai (chakata)
Tifambe chinhambo, musamise mutambo

Haiwa ini ringe, ini ringe (hakata)
Dziri kuti mose muchakwidza (makata)
Zvikanzi nhonga usasiye (chakata)
Tifambe chinhambo, musamise mutambo

Varume kune nzira nhema (hakata)
Ndiyoyi nzira yandinozeza (makata)
Wochitonhonga usasiye (chakata)
Tifambe chinhambo, musamise mutambo

Wochiti gwedebu gwedebu (hakata)
Fumura pachena tikwire (makata)
Wochingonhonga usasiye (chakata)
Tifambe chinhambo, musamise mutambo

Haiwa mudzimu woye, mudzimu woye
Zvamunenge makafuratira
Ko inga takadire mhamba
Hupenyu, hurefu
Haiwa Chirorodziva
Tateguru vakatungamira
Mudzimu woye takashaya nzira
Hupenyu, hurefu
Haiwa mudzimu woye, mudzimu woye
Zvamunenge makafuratira
Ko inga takadire mhamba
Hupenyu, hurefu
Haiwa Chirorodziva
Tateguru vakatungamira
Mudzimu woye takashaya nzira
Hupenyu, hurefu

Vamwe vazoti hatiende
Vamwe vadzikira muKwekwe
Chitima charamba chichiti kweee
Kwatabva chinhambo, musamise mutambo

Inzwai ini ndarira senhengure
Kwandabva varume kure kure
Chitima charamba chichiti kweee
Kwatabva chinhambo, musamise mutambo

Hatichaona nzira zuva radzima (simudzira ngoma)
Musaneta kudetembera madzimai (rwendo rwunorema)
Ndaona nzira yacho haichina kucheneka
Kwatabva chinhambo, musamise mutambo

Hatichaona nzira zuva radzima (simudzira ngoma)
Musaneta kudetembera madzimai (rwendo rwunorema)
Ndaona nzira yacho haichina kucheneka
Kwatabva chinhambo, musamise mutambo
Haiwa mudzimu woye, mudzimu woye
Zvamunenge makafuratira
Ko inga takadire mhamba
Hupenyu, hurefu
Haiwa Chirorodziva
Tateguru vakatungamira
Mudzimu woye takashaya nzira
Hupenyu, hurefu

Haiwa mudzimu woye, mudzimu woye
Zvamunenge makafuratira
Ko inga takadire mhamba
Hupenyu, hurefu
Haiwa Chirorodziva
Tateguru vakatungamira
Mudzimu woye takashaya nzira
Hupenyu, hurefu

Ini ndinomira-miraka ndomene (simudzira ngoma)
Pane chandipiringa mugoronga, ndonye (rwendo rwunorema)
Pane chandizunguza, mudzvovero wemhondoro
Kune jecha, kune jeka-cheka
Ini ndiri ndenga ndotya

Ini ndinomiraka ndomene (simudzira ngoma)
Pane chandipiringa mugoronga, ndonye (rwendo rwunorema)
Pane chandizunguza, mudzvovero wemhondoro
Kune jecha, kune jeka-cheka
Ini ndiri ndenga ndotya
Mudzimu woye, mudzimu woye (haiwa mudzimu woye)
Zvamunenge makafuratira (haiwa mudzimu woye)
Ko inga takadire mhamba (haiwa hupenyu)
Hupenyu, hurefu (mudzimu woye)
Haiwa Chirorodziva (haiwa mudzimu woye)
Tateguru vakatungamira (haiwa mudzimu woye)
Mudzimu woye takashaya nzira (haiwa hupenyu)
Hupenyu, hurefu (mudzimu woye)

Haiwa mudzimu woye, mudzimu woye (haiwa mudzimu woye)
Zvamunenge makafuratira (haiwa mudzimu woye)
Ko inga takadire mhamba (haiwa hupenyu)
Hupenyu, hurefu (mudzimu woye)
Haiwa Chirorodziva (haiwa mudzimu woye)
Tateguru vakatungamira (haiwa mudzimu woye)
Mudzimu woye takashaya nzira (haiwa hupenyu)
Hupenyu, hurefu