Jah Prayzah
Dzirere
[Intro]
Muchakura rinhiko?
Pamuchaguma kucheuka miridzo?
Achanamata ndiani?
Kana ndaenda muchamira naniko? (ndaireva)
Muchakura rinhiko?
Pamuchaguma kucheuka miridzo? (ndaireva)
Achanamata ndiani?
Kana ndaenda muchamira naniko?

Ndaireva, ndaimboreva
Kura mwanangu uve gweta
Sevamwe
Ndaireva, ndaimboreva
Kura mwanangu uve chiremba
Ndidadewo

[Verse 1]
Vanakomana ndinavo
Ava marombe enzira
Vanasikana ndinavo
Vombeya, vozeya
Chamakabata, chamakasimudza
Chandichadada nacho chii?
Zvandave hari yofanzirofa
Ndaringa kumadokero
Vamwe voti dzirere
Dzirere wo, dzichakurera wo
[Chorus]
Dzirere pwere dzirere
Dzirere wo dzichakurera wo
Dzirere pwere dzirere
Dzirere kani dzichakurera
Dzirere pwere dzirere
Dzirere wo dzichakurera wo

Vana vevamwe vakagarika, vakayambuka inga wani
Dzirere pwere dzirere
Dzirere wo dzichakurera wo
Vana vevamwe vakasimuka, vakayambuka inga wani
Muchingoti “dzirere pwere dzirere”
Dzirere wo dzichakurera wo

[Verse 2]
Chikurukuru kuziva
Nepekushandisa mukana
Chikurukuru kuzova
Nechako chimwe chakaringana
Uchamira wega wogara waratidza wakura
Wotomira segamba
Usagudugudza mukapinda munzira
Mwanangu chitobata rako jana

Makangwarire kuzambire mushana (kunge kutumwa)
Kana riri jambwa muyereswe (kana riri jambwa)

[Bridge]
Muchakura rinhiko?
Pamuchaguma kucheuka miridzo?
Achanamata ndiani?
Kana ndaenda muchamira naniko? (naniko)
Muchakura rinhiko? (ndirinhiko)
Pamuchaguma kucheuka miridzo? (haiwa ndirinhiko)
Achanamata ndiani? (ha ndianiko?)
Kana ndaenda muchamira naniko

Vana vevamwe vakayambuka, vakagarika inga wani
Vana vevamwe vakasimuka, vakayambuka inga wani
Muchingoti